Mufananidzo | Mutungamiri weCCC CDE VaNelson Chamisa vaine nhengo dzeCCC mudare reParamende

Mutapi wenhau

File Pic | Mutungamiri weCCC CDE VaNelson Chamisa vaine nhengo dzeCCC mudare reParamende

HARARE | Chikwata chine mukurumbira muZimbabwe, Team Pachedu, Chinoti nhengo dzedare reparamende dze CCC,  dzinofanigwa kuisa chikumbiro chekuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vabviswe. Sangano iri rinoti mutungamiri wenyika vakavhuna bumbiro remitemo nekushandisa hurongwa hweDelimitation uye kupa kuti zviwanikwa zveZimbabwe zvibiwe nembavha dzinovanoshanda  navo dzeGold Mafia.

Kurudziro yeTeam Pachedu yekuti Mnangwagwa abviswe iri kuuya panguva iyo nyika iri kutatarika nematambudziko ehupfumi pamwe nekukwira kwehurombo. Boka iri rinoti zviri kuitwa neMutungamiri wenyika VaMnangagwa zvirikuwedzera kuti zvinhu zvitonyanya kuipa muZimbabwe.

Hurongwa hweDelimitation muZimbabwe hwakakosha mukuona kuti matunhu amiririgwa zvakanaka mudare reParamende. Pachedu inoti mutungamiri wenyika VaMnangagwa vakavhiringa hurongwa uhu kuti vawane pundutso mubato ravo reZANU-PF. Vanoti uku kuvhuna bumbiro remitemo zviri pachena.

Team Pachedu inopomerawo mutungamiri wenyika mhosva yekubatsira kupambwa kwezviwanikwa zveZimbabwe. Zimbabwe inyika ine zviwanikwa, asi hupfumi huzhinji hunobva muzviwanikwa izvi haubatsiri vanhuwo zvavo. Asi veboka rePachedu iri vanoti mutungamiri wenyika nevamwe vavo vari kuba hupfumi hwenyika , vachidya voga nembavha dzokuzhe kweNyika

Mutweet yavo, Team Pachedu inokurrudzira maMP eCCC kuti atore matanho kwete kungoburitsa zvirevo. Vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kutarisira kuti vatore matanho akasimba uye kuti mutungamiri wenyika vazvidavirire pane zvavari kupomegwa

Hameno kana nhengo dzikakateerera kurudziro yeTeam Pachedu yekubviswa kwemutungamiri wenyika, padandemutande mapato anopikisa ne zvizvagwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kutsigira kurudziro yavo yekuti VaMnangagwa vabviswe.

Nhengo  zhinji dzeZanu-pf , idzo dzakabigwa musarudzo dzekutsvaga vamiriri vatsva mubato iri , dzinogona kuita kuti Chikumbiro chekuti Mnangwagwa abviswe chiwane mavhotsi anodiwa kuti Mutungamiri wenyika achibviswa pachigaro.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe, uye nyika yakatarisana nematambudziko akawanda. Zvakadaro, chinhu chimwe chete chiri pachena – zvizvagwa zveZimbabwe zviri kuda kuti vatungamiri vavo vazvidavirire uye vabudise pachena. Zvave kunhengo dzedare reparamende dzeCCC kuti vatevedzere kurudziro iyi pamwe nekuchengetedza bumbiro remitemo yeZimbabwe.

Kunobva – MasimbaMedia✍

By Power

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *